2 Samuel 2

Dhavhidhi anozodzwa kuti ave Mambo weJudha

1Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ko, ndoenda zvangu kune rimwe ramaguta eJudha here?”

Jehovha akapindura akati, “Enda hako.”

Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndoenda kupi?”

Jehovha akapindura akati, “KuHebhuroni.”

2Naizvozvo Dhavhidhi akaendako navakadzi vake vaviri, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri. 3Dhavhidhi akatorawo varume vose vaaiva navo, mumwe nomumwe nemhuri yake, akandogara muHebhuroni nomumaguta omo. 4Ipapo varume veJudha vakauya paHebhuroni vakazodzapo Dhavhidhi kuti ave mambo weimba yaJudha.

Zvino Dhavhidhi paakanzwa kuti varume veJabheshi Gireadhi ndivo vakanga vaviga Sauro,
5akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita. 6Zvino Jehovha ngaachikuitirai tsitsi nokutendeka, uye neniwo ndichakuitirai zvimwe chetezvo nokuti imi makaita izvozvi. 7Naizvozvo ivai nesimba nokutsunga, nokuti Sauro tenzi wenyu afa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wavo.”

Kurwa pakati peimba yaDhavhidhi neyaSauro

8Zvichakadaro, Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, akanga atora Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, akandomuisa kuMahanaimi. 9Akamugadza kuti ave mambo weGireadhi, Ashuri neJezireeri, uyewo pamusoro peEfuremu, Bhenjamini neIsraeri yose.

10Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakore makumi mana paakava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore maviri. Kunyange zvakadaro, imba yaJudha yakatevera Dhavhidhi. 11Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni yaisvika makore manomwe nemwedzi mitanhatu.

12Abhineri mwanakomana waNeri, pamwe chete navaranda vaIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, vakabva paMahanaimi vakaenda kuGibheoni. 13Joabhu mwanakomana waZeruya navaranda vaDhavhidhi vakandosangana navo padziva reGibheoni. Vakagara pasi mhiri kwedziva, rimwe boka ndokugara kuno rumwe rutivi.

14Ipapo Abhineri akati kuna Joabhu, “Ngatiitei kuti mamwe majaya edu asimuke arwe namaoko pamberi pedu.”

Joabhu akati, “Zvakanaka, ngavaite izvozvo.”

15Naizvozvo vakasimuka vakaverengwa varume gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri kurutivi rwaDhavhidhi. 16Ipapo mumwe nomumwe akabata musoro wewaairwa naye ndokumubaya nebakatwa parutivi pake, vose ndokuwira pasi. Naizvozvo nzvimbo iyoyo iri muGibheoni yakatumidzwa kuti Herikati Hazurimi.

17Kurwa kwezuva iroro kwakatyisa kwazvo, uye Abhineri navarume veIsraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.

18Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo vaiti: Joabhu, Abhishai naAsaheri. Zvino Asaheri aimhanya zvikuru kwazvo sechengu. 19Akadzinganisa Abhineri, asingambotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe paaimudzingirira. 20Abhineri akacheuka akabvunza akati, “Ndiwe here, Asaheri?”

Iye akapindura akati, “Ndini.”

21Ipapo Abhineri akati kwaari, “Enda kurudyi kana kuruboshwe; ubate rimwe ramajaya uritorere zvombo zvaro.” Asi Asaheri haana kurega kumudzinganisa.

22Abhineri akayambira Asaheri zvakare akati, “Chirega zvokundidzinganisa! Unodirei kuti ndikuuraye? Ndingazotarisana sei nomukoma wako Joabhu?”

23Asi Asaheri akaramba achingomudzinganisa. Naizvozvo Abhineri akabaya Asaheri padumbu neshure kwepfumo rake, pfumo rikabuda nokumusana. Akawira ipapo ndokubva afa. Uye munhu wose aimira kana angosvika chete panzvimbo pakanga pawira Asaheri akafa.

24Asi Joabhu naAbhishai vakatevera Abhineri, uye zuva rakati ronovira, vakasvika pachikomo cheAma, pedyo neGiya munzira inoenda kurenje reGibheoni. 25Ipapo varume veBhenjamini vakaungana vachitungamirirwa naAbhineri. Vakaumba boka rimwe vakamira pamusoro pechikomo.

26Abhineri akadanidzira kuna Joabhu achiti, “Ko, munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauoni kuti izvi zvichavava pakupedzisira here? Uchasvika kupiko usati warayira vanhu vako kuti varege kudzinganisana nehama dzavo?”

27Naizvozvo akapindura akati, “Ndinopika naMwari mupenyu, dai wanga usina kuzvitaura, varume ava vangadai varamba vachidzinganisa hama dzavo kusvikira mangwana mangwanani.”

28Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira; vakarega kudzinganisa vaIsraeri, vakasazorwazve.

29Abhineri navanhu vake vakafamba nousiku hwose vakagura nomuArabha. Vakayambuka Jorodhani, ndokuramba vachienda nomuBhitironi rose vachibva vasvika paMahanaimi.

30Ipapo Joabhu akadzoka kubva mukudzinganisa Abhuneri ndokuunganidza vanhu vake vose. Pasingaverengerwi Asaheri, kwakashayikwa varume gumi navapfumbamwe vedivi raDhavhidhi. 31Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya vaBhenjamini mazana matatu ana makumi matanhatu vaiva naAbhuneri. 32Vakatora Asaheri vakandomuviga muguva rababa vake paBheterehema. Ipapo Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose vakandosvika paHebhuroni mambakwedza.

Copyright information for SnaBDSC